Home ๐ŸŽฌ Bollywood ๐ŸŽต Pakistani ๐ŸŽค English Pop

Kukwereketa

๐Ÿ‘ค Alick Macheso, Orchestra Mberikwazvo โ€ข ๐ŸŽผ Zvido Zvenyu Kunyanya โ€ข โฑ๏ธ 8:50
๐ŸŽต 1752 characters
โฑ๏ธ 8:50 duration
๐Ÿ†” ID: 12035541

๐Ÿ“œ Lyrics

Kunda mwachewe kunda, kunda ukunde miyedzo
Munhu haungamuteedzeri ukamupedzera zvaanoda

Mumwe anoda kukugumburisa kuti iwe urasike gwara rako
Agowana kukutapa manzwi, kukushambadza ugonzi muyipi

Vamwe ndivana ngaudonhe tiwane tsotso
Kuti iwe utadze zvaunogona
Vagowana kukutorera njere, vodzishandisa kudziita dzavo-o

Kunyarara, kunyarara, kunyarara kunokunda kutaura

Kunyarara, kunyarara, kunyarara kunokunda kuhwereketa

Ini kufara kufara zvangu mumoyo zvizere nhai babawe
Kuzvitaura kupedza nguva-a-a

Ini kunyarara, kunyarara zvangu mumoyo zvizere nhai babawe
Kuzvitaura kupedza nguva-a-a

Nguva dzangu zhinji padzinoperera ndipo pabasa nhai babawe
Koo iwe dzako unodzipedzerepiko?

Nguva yangu zhinji painoperera ndipo pabasa nhai babawe
Koo iwe yako unoipedzerepiko?

Kunyarara, kunyarara, kunyarara kunokunda kutaura
Kunyarara, kunyarara, kunyarara kunokunda kutaura
Kunyarara (hunde) kunyarara, kunyarara kunokunda kuhwereketa

Rega mutuki atuke iwe nyarara
Rega murovi arove iwe nyarara
Ukamudaro wamubvisa ganda kumeso-o-o

Ah huwee huweeerere
Ah huwee huweeerere
Ah huwee huweeerere

โญ Rate These Lyrics

โ˜†โ˜†โ˜†โ˜†โ˜†
Average: 0.0/5 โ€ข 0 ratings